Food, Fashion & Entertainment

Mukanya oitisa vanhu manyukunyuku | Chimurenga musician Thomas Mapfumo to return to Zim #MukanyaReturns

Simbarashe Nyatsanza

Scroll down for English

Muimbi ane mukurumbira pasi rose anoimba musambo weChimurenga Thomas Mapfumo ari kutarisirwa kudzokera kuZimbabwe uku kwaakabva makore gumi nemana apfuura.

Mapfumo, uyo anozivikanwa nezita remutupo wake Mukanya, arikutarisirwa kuridza muHarare musi wa 28 Kubvumbi. Mukanya akabva kupihwa ruremekedzo rwe World Music Award neve 2018 Globalfest ku New York mazuva mashomanane apfuura.

Vachitaura vakamirira Chimurenga Music Company, mutauriri waVaMukanya vaBlessing Vava vabvuma kuti Mukanya vari munzira.

“Tinofara kuti Mukanya vari kuuya kuzoridza muZimbabwe mushure mekunyangarika kwemakore anopfuura gumi”, vakanyora pa Twitter.

Mukanya, uyo anozivikanwa zvakare nezita rekuti Hurricane Hugo, akapedzesera kuridza muZimbabwe mugore ra 2004. Vakabuda munyika vachityira hupenyu hwavo vakananga ku Amerika uko vanogara kunzvimbo ye Oregon.

Mumakora akatevera kubuda kwavo munyika, Mukanya vakava inzwi rakasimba raishoropodza hutungi hwaVaMugabe, vaimbova mutungamiriri wenyika. Mimhanzi yako yaisaridzwa muwairesi kana mumaterevhizhoni.

VaMapfumo vane vataerere vazhinji pasi rose. Mimhanzi yavo inotaura nezvehupenyu uye ichi shoropodza hutongi husina kunaka. Izvi ndizvo zvaikava venganisa ne hurumende.

Kudzoka kwavo munyika kuri kutarisirwa kusimbisa huvepo hwevaimbi nevamwe vane mabasa mune zve ma arts.

English:

International Zimbabwean Chimurenga music superstar Thomas Mapfumo is set to return to the country after spending close to 14 years in self-imposed exile in the United States of America.

Popularly known as Mukanya, Mapfumo, who has recently been honored with a World Music Award at the 2018 Globalfest in New York, is expected to stage a show in Harare on the 28th of April.

The spokesperson for Mukanya’s Chimurenga Music Company Mr Blessing Vava confirmed the reports on social media. “We are excited that Mukanya will be performing in Zimbabwe after more than a decade’s absence”, he tweeted.

Thomas Mapfumo, also known as Hurricane Hugo, has not performed in Zimbabwe since 2004. He left the country seeking political asylum in the United States alleging government-linked threats to his life. He has since been living in Oregon in the U.S.

In recent years Mapfumo became a fierce critic of the Mugabe regime. His music was often described by state media as confrontational and bordering on subversion and was banned on all national radio and TV stations.

Mukanya still commands a large following among Zimbabweans in the country and abroad.

He is one of Zimbabwe’s most recognised musical faces and is revered for fearlessly speaking truth to power, although this often put him at odds with the government.

His return to the country is expected to herald the arrival of a new era in Zimbabwean artistic expression and creative freedom.

#MukanyaReturns #ReturnOfTheHurricane

 

Advertisements

Leave a Reply

Fill in your details below or click an icon to log in:

WordPress.com Logo

You are commenting using your WordPress.com account. Log Out /  Change )

Google+ photo

You are commenting using your Google+ account. Log Out /  Change )

Twitter picture

You are commenting using your Twitter account. Log Out /  Change )

Facebook photo

You are commenting using your Facebook account. Log Out /  Change )

w

Connecting to %s